|
Back to Index
Full
text of President Mugabe's address at the burial of retired Air
Commodore Mike Tichafa Karakadzai at the National Heroes Acre in
Harare
President Robert Gabriel Mugabe
August 25, 2013
The Second Secretary
and Vice President of Zanu-PF, Comrade Joice Mujuru
The National Chairman of Zanu-PF, Comrade Cde Simon Khaya Moyo
The Chief Justice Godfrey Chidyausiku
The newly elected Members of Parliament
Vemhuri
Mai vasiiwa nevana
The service chiefs
Senior Government officials
War veterans, detainees, restrictees and war collaborators
Members of the Diplomatic Corps
Comrades and friends
Vana mai nanababa
vose vauya kuzozorodza mumwe wedu, macomrades vose vari pano.
Ndinoda kuvamba
nekuti kwamuri tasiiwa nava Karakadzai. Tanzwa mumwe mwana achipa
shoko pano, taratidzwa machinda akasiiwa nomudzimai. Ndinoda, takamirira
musangano, takamirira hurumende, takamirira ruzhinji rwenyika tichifungawo
zvakare neavo vaakamboshanda navo, kwaakamboshanda kuAirforce kune
hama dzakawanda, kwaanga achishanda kurailways kune vanhu vakawanda
vanoshanda ikoko vari vezvigaro zvakati kuti.
Mose imi ndimi
munonzwa kufirwa kupfuura vamwe vese nekuti makanga munaye.
Tinoda kuti
tine urombo zvikurukuru. Tinemi mukusvimha, tinemi mundangariro
dzamunadzo. Tinemi zvakare mukumunamatira tichida kuti awane zororo.
Kana Mwari achimuona
semunhu wakashandira vamwe, waive nerunako, waive nechimiro chakatwasanuka
sekumuona kwatinako, tinovimba kuti zororo racho richavapo nemberi
ikoko kwatisingazive achapihwa mubairo naMwari.
Hongu sezvataura
Pastor pano, tose takatarirwaka mazuva, tinonyatsoziva kuti tine
mazuva. Zuva chairo iro hatirizive, tinozviziva kuti hapana anorarama
narini wose nokuti muviri watinawo unopera.
Ukanzi uri mupenyu
wazvarwa, watonzi uchafa tinogara takazviziva. Chinenge chinokanganwikwa
pakati apa tichikura tichisamhuka paye nemufaro hweudiki ndechekuti
hupenyu hwacho hwatinenge tinahwo huchava nemugumo.
Takurawo zviito
zvedu vamwe zvinongova zviito zvisina gwara, vamwe vanofara nepfungwa
nekuronga hupenyu kuti ndichadada ndichiti uyu akanga afanotara
azvipira kurwira vamwe, kufira vamwe kurwira nyika yake, kurwira
nyika yake hupenyu hwevazhinji.
Wakanga aine
ruzivo rwekuti nzira yaazvitorera iyi ine rufu, asi haana kusangana
narwo acharwira vazhinji.
Vamwe vasina
gwara, vanongoti chauya hameno chichangosangana navo, vanoita zvemasanga
muhupenyu vasingazvitarire, kuzvipa chinangwa ndivo vanhu vatinoti
ava vanongovawo madzenga vakafanana nechidhakwa.
Vadiki isu tichakwasha
kukwasha kwevadiki, kunongova kwemumadziro munenge, muchivhima hwiza,
mhashu munoona dzimwe dzamunoti aah idzi ndoo chaidzo idzo.
Dzine hupenyu
hwamunyatsoona. Kozoita zvimwe zvataiti zvidau nhau. Chinongotauka
apo neapo, hauchanoziva kuti chii, chinobvebi chichiendepi. Kuchibata
hauchibate unotosema.
Tinazvowo zvidaunhau
zvakawanda imi woye, vanhu vakazooona kuti mhashu chaidzo idzo dzinogara
dziri pamwe dzinoziva pokuenda nekurara ndedzipi.
Zvitaunhau ndezvipi
zvisina hupenyu hunoonekwa ndezvipi. Saka makasarudza mhashu chaidzo
idzo. Ndokwaanga ari murume uyu, hupenyu hwake kana muchihunzwa
muchihutarira zviya chikoro ngachimbomira, ndinorwira nyika yangu.
Yauya tozoona zvechikoro. Ende ichokwadi akazozviita mumashure zvemberi
.
Wadaro unorongeka
muhupenyu kana muzvikwata nezvikwata zvatinazvo muhupenyu chako
chaunenge wasarudza chinosanouchengetawo chichikupa mubairo, zvigaro
kutungamidza. Naizvozvo VaKarakadzai vabva kuhondo nyika yauya hezvo
vaenda kuAir Force.
Hezvo vozobva
ikoko toti isu tatambura tatambudzika tinoda munhu anegwara ruzivo,
anokwanisa kufambisa basa mberi kunjanji uku kurailway tatambudzika,
hatisi kuona mafambire ayo railway system yedu.
Kunongogara
kuchinzi kune malosses everytime zvikwereti nezvikwereti ko chirikumboitika
ikoko chii?
Tipeiwo aneruzivo
tichidaro kumauto edu vakuru vacho. Ane discipline yemberi, aine
ruzivo rwatingati rwungatibatsire kusimudzira railway system yedu.
Takapihwa VaKarakadzai.
Ndokwavakanga
vachiri, tikaona zvechokwadi aah nhanho dzirikutorwa ndedzemberi
zvinhu zvirikuenda zvichinaka, zvichitwasanuka.
Hongu nemasanctions
anga aripo handizvose zvaikwaniswa kuitwa kuti zvinotengwa zvitengwe,
matruck anodiwa atengwe, maegine anenge asakara achibviswa matsva
auye asi taizama, vakazama vaKarakadzai kuti kuve nesystem.
Mafambire echitima
akanga asisina kutwasanuka, njanji, tanga tisisina mizo nayo, maccidents
mamwe anga oitika anga otityisa asi zvese izvi zvakauya zvimwe zvikapihwa
nyaradzo tikava nekufara kuti aah kuchishandiswa zvanga zviripo
kwanga kwava nesystem yatanga tichiona.
Ndinovimba kuti
system iyoyo yatanga tichiona ichaita kuti tienderere mberi sezvo
takuzova nehurumende yedu isina zvitaunhau mukati.
Saka mukuchema
kwedu vemhuri, vanakomana vandaona ndingadai ndichiti handina kuratidzwa
vasikana dzimwe nguva pangadai paine vasikana, vakomana chete, vanakomana
vandaona vemhuri tinotenda neshoko ramatipa rekuti makabatana.
Kana tichiuya
kuzochema pano gwara remunhu raanenge asiya ndiro gwara ratinoti
rinotevedzwa nevamwe kwazvo kwazvo, nevana vadiki asi nemhuri zhinjiwo
nekuti handi vana vake vaanga oshandira chete.
Handi vana vake
vakaendera kuhondo chete, nevana vevamwewo vakaona gwara rakateerwa
naVaKarakadzai.Ndokurarama kunoita munhu kana afa, that is the life
after death yatinoziva yekwamwari imwewo, yedu ndeyekuti izvi ndizvo
zvaiitwa nangana tozviitawo iyesu kuti zita rake rirambe riri benyu.
Tichitevedzera
nzira dzaakatisiyira, tsoka dzake tichifamba madziri. Ndozvatinoti
izvozvo magamba edu,vatinenge tichirumbidza vasiire vamwe. Ndoozvatinotiwo
nevamwewo kuneamwe masector kungave nemabusiness, kungave vari mucivil
service vanotungamira ikoko, gwara remunhu ngarive gwara rakatwasanuka,
iye anoritwasanura nezviito zvake,discipline yaanenge ainayo.
Achionekwa semunhu
kana ari mutungamiri, anonzi uyu zvechokwadi mutungamiriri anosungirwa
kuteverwa honai zvakati, aya ndoo maitiro ake. Kana achizenge abva
nyangwe aretire asati afa vamwe vanoedza kuteedzera maiitiro ake.
Saka tiripano
tinoti maiitiro iwayo aVaKarakadzai, zvose zviito zvavo zvakanaka
tichizvichengete muzviito, zvive zviito zvedu, tivararamise muzviito
zvedu kwete kuvakanganwa nekuti vatiisiiragwara rakanaka.
Asi sevanhu
venyama tinochema kunyangwe zvikanzi zuva rerufu rakudeedzwa, rauya
hama neshamwari nevese vanga vaine ruzivo nekufambidzana nemunhu
vanochema. Isu tiri pakusvimha tiri pakusvimha kune divi rimwe asi
divi ratanga tinaro ranga riri nerufaro.
Hayo maelections
akaitwa tikava nerufaro mhemberero ikavapo. Tikasvika painauguration
mhembero ikavapo, panag nga pachazonzi pava neparlimant pava nehurumende
itsva asi chionai Mwari anotiwo hongu munopembera asi muyeuke mukupembera
kwenyu kuti richasvikawo zuva renyu, go tatorerwa VaKarakazi,go
tatorerwa vaNkala, go tatorerwa vaKumbirai Kangai.
That's how life
is mungava nerufaro rwekuti vanhu vachata asi monzwa kuti ah kwakazoitika
accident vakafa vachienda kuhoneymoon, kana hama yavo yakashaika
ichienda, tova nemunamato watinovaitira.
August has turned
out to be a month of mixed fortunes for our nation.
Last week, we
gathered here to remember all our liberation heroes. This came against
a background of jubilation and celebration following the successful
conclusion of the harmonised elections resoundingly won by Zanu-PF.
The victory
itself was a befitting tribute to both our fallen and living heroes
of the liberation struggle. But, as preparations were underway,
for the Inauguration Ceremony of the President-elect, tragedy befell
the nation. Retired Commodore Mike Tichafa Karakadzai, known by
his Chimurenga name as “Hip Level” was killed in a horrific
car crash on Tuesday night while on his way to Bulawayo.
We were shell
shocked by the sad news of his untimely death and wondered what
was the meaning of it all. Why, why, why we repeatedly asked ourselves,
had Comrade Karakadzai departed from us in that cruel fashion, without
so much as giving us the slightest hint, and the timing of it all
when the nation and the whole world were focussed on our inauguration
of the President of the Republic of Zimbabwe?
As we were still
searching for answers, cruel death struck again. On Tuesday evening
I visited Cde Enos Nkala in hospital after receiving word that his
health was failing him, and he was in a critical condition. A few
hours later, on Wednesday morning, we received the sad news that
Comrade Enos Nkala was no more.
As if that was
not enough, yesterday we received yet again the shocking news that
Comrade Kumbirai Kangai had also passed on. What a national tragedy
this has been, all happening in the course of one week, in the course
of one month, August, the month of our National Heroes. The week
gone by therefore, has been a real sad one, indeed a week of national
mourning.
The Nation is
all the poorer, without the gallant sons of the soil.
On behalf of
Zanu-PF and the people of Zimbabwe, I want to express my deepest
sympathies and condolences to the affected families on the loss
of their beloved ones.
Let me assure
them, on your behalf, that theirs is a loss we bear together as
a Nation. We are with them in our prayers and in our thoughts during
their time of bereavement.
Comrades and
friends, we are gathered here today to rest a gallant freedom fighter,
a tried and tested cadre of the liberation war, a tried and tested
military officer of the Air Force of Zimbabwe, and lately a tried
and tested corporate manager Retired Air Commodore Mike Tichafa
Karakadzai. He died, as we have heard under very tragic circumstances
when the vehicle he was driving was involved in a terrible accident
that claimed his life.
As we are told
he hit a beast and at the same time also there was a collision with
a big truck.
What a way to
go. We can't quite fathom, let alone comprehend, what happened on
that fateful evening.
Why had it to
happen this way, his life taken away so easily, in that fashion,
after surviving the harsh realities of war during the liberation
period?
We are pained
and hurt because we still needed him the most to complete his assignment
at the helm of the National Railways of Zimbabwe. We are pained
too because we would have wanted to celebrate with him Zanu-PF's
victory following the successful conduct
of the harmonised elections gone by.
I am aware that
at the time of his death, he was seized with the burden of making
travel arrangements by train for some of the multitude of Zimbabweans
who intended to travel to Harare from Mutare and Bulawayo for the
Presidential Inauguration
Ceremony.
Fellow mourners,
the life of the late departed hero has been well-chronicled in the
small red book of his obituary, in the Press, on radio and television,
and not at least, by the family representative.
The narratives
has given us a wholesome picture of who this gallant son of the
soil was.
It has given
us a picture of the typical gallant son who was prepared to lay
down his life for his country, his motherland, Zimbabwe. He was
one of those brave young men and women who answered the clarion
call to take up arms of war and fight the white settler colonial
regime of Rhodesia.
He sacrificed
his early education in order to swell the ranks of our freedom fighters
when he too realised that freedom would not come through peaceful
protests and other forms of political persuasion.
The entrenched
white settlers were fortifying themselves to defend their ill-gotten
gains, including the illegal occupation of our land. They were armed
to the teeth, both their men, women and youths, to defend the status
quo.
They paid no
attention to the earlier pleas and petitions by the nationalist
movements. The settler colonial regime reacted to our people's responses
by brutally suppressing and banning one political movement after
another.
When the African
National Congress (1957) mobilised Africans to agitate for their
political rights following their disenfranchisement, before addressing
African people's grievances the party was banned in 1959. But the
Africans were not deterred and the National Democratic Party (NDP)
was soon formed in 1960. It was also banned in November 1961 and
in its wake came the Zimbabwe African People's Union (Zapu) in December
1961. Zapu was also banned nine months later, in 1962.
The Zimbabwe
African National Union (Zanu) was formed in 1963 and suffered the
same fate as predecessor political movements. The colonial regime
became all the more ruthless, closing all avenues to peaceful protests
for freedom and independence, thus leaving the Africans with no
choice but to direct confrontation, the armed struggle, as the last
recourse to achieve political independence.
Thus the late
Comrade Karakadzai volunteered to join the armed struggle at a very
young age like many of our young men and women who joined the liberation
struggle in the late 1970s.
He abandoned
his studies at Jersey Secondary School and crossed into Mozambique
in 1975 to join the liberation struggle. He distinguished himself
during the struggle, both as a political commissar and a military
commander.
As political
Commissar Comrade Karakadzai, played a pivotal role in the political
education of our cadres, arming them with correct political ideology
that would stand them in good stead on the battle front, and later
on in post-independent Zimbabwe.
Men and women
with correct political ideology and military prowess such as Comrade
Karakadzai, formed the backbone of our defence forces at Independence.
With time their
immense skill came to be deployed variously as the situation demanded.
Hence these military cadres have from time to time been deployed
to civilian positions in their various capacities.
Comrade Karakadzai
was retired from the air force to go and head one of our critical
parastatals, the National Railways of Zimbabwe as the General Manager
were similar examples in other state owned enterprises.
They have brought
into these institutions, invaluable skills and vital experience
which have made great impact on parastatal performance and service
delivery.
One gets surprised
when our detractors questioned the wisdom of deployed ex-military
officers in state institutions and describing such deployment as
the militarisation of the institution concerned.
Nothing could
be further from the truth. These men and women are role models,
of valour, patriotism, honesty, industriousness and discipline,
all qualities that are beyond reproach.
It's not just
anyone, it's the chosen ones who are chosen for these qualities
who are then transferred into those institutions. Let us emulate
the life of the soldier and apply it to our own life situations
under our new-found dispensation.
The outcome
of the elections gone by where Zanu-PF has emerged the winner is
an expression of the will of the majority of Zimbabweans.
The people have
demonstrated that they have found expression of their interests,
of their hopes and aspirations in a Zanu-PF administration and Zanu-PF
formed from Zapu and Zanu.
Those organisations
that made the struggle for independence, a matter of people's sacrifice
both trained these young men and women, both instilled a high level
of discipline and it is that high level of discipline and the skills
they acquired, that we would want to see expressed in our civil
organs of the country.
So the Zanu-PF
administration has those qualities, its already militarised because
it fought the struggle as a military entity, yes it had the political
side, the political side which had the political ideas and principles
for which the military side fought for but the life of the party
and greater activity of the party which led to victory came from
the armed struggle by both parties, so one should not get alarmed
that persons are drawn from the army and the air force into civil
service, whose civil service is it anyway?
Isn't it the
civil service now of Zanu-PF, and does it not reflect the policies,
legacy of Zanu-PF as a fighter?
So, what is
all that nonsense? Then there is that talk of wanting to do what
they called security sector reforms and ndanga ndisati ndambonzwa
nezvereform yacho ini. Sector reform yamunoita imi zvitaunhau? Unoigona
iwe? Aah! Since when has the frog aspired to being a crocodile?
Ehe takaruma
masettlers muno. Without those biting teeth we would not have got
our country back. Ko iwe unotauka taukawo zvakowo uri papapa? You
want to do sector reform zvinotosekesa, knowledge yacho unoiwana
kupi. Where will you get the knowledge to do that reform?
Security sector
reform, you see chinoshupa ndechekuti pamunhu anenge asina ruzivo
anozviziva kuti ini handina ruzivo you can deal with him better,
you are better off with an ignorant person who is aware, conscious
of his ignorance, who accepts that he is ignorant but if you are
ignorant of your ignorance inhamo huru huru.
Uchifunga kuti
kusaziva hungwaru, aaah unopinza vanhu munhamo, hameno makambovhotera
2008 vachiti that level of ignorance could run the country but
tazova tose munoti kusvika pano kushiva, endurance, real patience
yatanga tinayo kuti mufambidzane muchinzwanana, hurukuro dzacho
nemaideas acho zvinobva zvasiyana kure kure.
Ndiani anotisika
sika kufunhaidza majudge, vose kutuka asi mangwana wozoenda kwavari
uchiti ndine nyaya yamunoda kuti munditongere. Ivo vawabva kutuka
nezuro uno. Ko ruzivo rwaunarwo rwakaita sei, ndorainzi namai vangu
dofo, dofo chairo iro.
Munhu ungave
dofo kupfuura ipapo?
So, well, I
hope our country will never repeat that. Mune vana vakaenda kumaUniversity,
vakaenda kuzvikoro vatinosimudzira vamwe vanobva vati ndovatinoda
ndovatinoda, hameno, chamunoyemura ipapo chii. Harare kuvhotera,
Buruwayo kuvhotera, ehe ehe chiendai munopihwa zvamakavhotera ikoko.
Tine vakomana
avo vatinosesekedza mberi, kana tichivaisa mberi tinenge tiine ruziivo
takafamba navo saka kana aah varikunganganisa, nezuro pavaishanda
nepovo vachitungamirira kuti tive nehondo inotsigirwa nevanhu uko
tine macomrades vakanga vakunda vabati vepfuti, kuno kumusha vanhu
vachinzi mukavaona vana venyu vauya, chengetei zvakanaka. Mabhunu
mopota muchitiudza, vanenge varikupi, makomo api kwavanovanda ndekupi.hondo
ikava hondo yevanhu.
Ndosaka tichiti
it was a people's war, a people's struggle, zvino imi vamwe vacho
vane makore vakuru kuna Karakadzai washaya uyu asi any chance yekubudawo
kuenda kuhondo vakadududza.
Kutya, ndoyatinoti
mityutyuka ivava. Vanonamata varungu nanhasi wese kuti varungu vadzoke
kuzotora mapurazi zvakare.
Ndozvakarwirwa
nanaKarakadzai izvozvo. Vauye semaboss avo ndovanga vachivatonga
vachivapa gwara, vana Bennet, ndovavanotsvaga ivavo to give them
advice.
Zvino ungapiwa
advice memunhu anokuti iwe you are not better than just a young
man. Vanokushora nanhasi, vese varungu havambotiona sevanhu, unonzwa
vanana Blair uko vachiti ah hamusi kuita zvakanaka because they
think we the blacks are inferior, but takavarakidza kuti kana muchidaro
mune dzimwe nyika mungadaro, but in Zimbabwe we will never accept
the white man merely because he is white, aiwa, tinovamhanyisa kuno,
aizve.
Kana zvedu zvauya,
aah, so they should not continue to harass us. The British and Americans
we are treating their people well here. There will come a time when
we also can lose our patience.
We have not
done anything to their companies here, the British have several
companies in this country and we have not imposed any controls and
sanctions against them.
But time will
come when we will say well, tit for tat; you hit me, I hit you.
You impose this on me, I will impose this on you.
We have a country
to run and we must be left free to run that country. We don't run
it by taking ideas from London or Washington. Our ideas come from
us here, our ideas come from organisations in Africa, and so they
must not continue to treat us in a way they have been treating us
in the past.
And I want to
assure them that our attitude is not going to continue like what
it was in the past. We have had enough and enough is enough.
So, I would
want to say to Karakadzai as we lay him to rest: Thank you for all
the excellent work you have done for our country.
For your people,
for the sacrifices you made, son of the soil, you served your country
and people well, well beyond the call of duty.
We recognise
your contribution and as we lay you to rest, we undertake to follow
in your footsteps and pledge to defend our country in the same way
you defended it.
So, we say to
you Karakadzai gallant son, go well, rest in peace. Famba zvakanaka,
hamba kahle. Siyabonga.
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|