|
Back to Index
Minister
of Constitutional Affairs, Advocate Eric T Matinenga, answers your
questions about the Constitution making process in Zimbabwe - Week
4 - Shona
Kubatana.net
May 2010
View the listing
of all questions and answers here
View week four
questions and answers in English here
View week four
questions and answers in Ndebele here
View audio file details
1.
Titsanagurireiwo pamusoro pemhando dzevamiriri dzakasiyana-siyana
dzatingawani muBumbiro idzva senge aramende, kana kuti Senate, ne
inonzi muchirungu 'Proportional Representation'. Uye,
tirikuda kunzwa kuti muchaona sei kuti vanhu havamanikidzwe kuenda
kuma polling stations ari munharaunda dzavo kana yave nguva yesarudzo
yevamiriri enyika?
Dare redu reParamende
rine dzimba mbiri. Kune imba inonzi House of Assembly, koita inonzi
Senate. YeHouse of Assembly ine nhengo mazana mairi negumi. Senate
inen nhengo makumi masere, nevatatu. Panengo dzese dziri muHouse
of Assembly, vanhu vanoenda vachinoti 'ndisarudzeiwo zve.'
Anenge awana sarudzo yakawanda kupinda vamwe, ndiye anoenda kuimba
iyi. Tichienda kuSenate, mazana matanhatu, ndiwo anosarudzwa. Makumi
matatu nematatu, vano domwa; ipapo, pane madzishe gumi nemasere
vanodomwa zvakare.
Mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza ndeye kudayi:
Chokutanga
ndechekuti, isusu senyika yeZimbabwe, tinoda here dzimba mbiri idzi?
Chechipiri, toti ivo vanoenda kudzimba idzi, kana imwe chete zvayo,
tinovasarudza sei? Chechitatu, toti Bumbiro redu rinofanira here
riine vamewe vanosarudza kamwe chete, koita vamwe vanosarudza vanhu
gumi kana gumi nemashanu.
Sokufunga kwangu,
ndinoona ndichiti tikanyatso tarisa chaizvochaizvo kuona kuti House
of Assembly ne Senate zvakamira sei, tichiona Bumiro ririko mazuva
ano, ndinoona kuti zvimwe ndezve kungo dzokorora zvinhu. Vanhu vese
ivavo vane basa ravari kuita here? Munozoona kuti zvimwe ndizvo
hazvo. Asi dei ndanga ndiri inini, zvekuita dzimba mbiri idzi, zvinenge
zvisinga nyanye kutibatsire neupfumi hwedu.
Vanhu tinovasarudza
sei? Zvinonzi zvatirikuita mazuvano, zvekuti anenge awana vanhu
vakawanda ndiye wopinda hazvi nyatsotaridza kuti vanhu varikuda
chii. Toti tine mapato mairi, bato rekutanga ne rechipiri. Bato
rekutanga, munhu wacho anowana vanhu gumi, bato rechipiri, munhu
wacho anowana vanhu vapfumbamwe. Ngatiiti tirikutarira Province
ine maeseats mashanu. Moti, ava vakawana mavhoti gumi, vese vakutora
maseats ese mashanu. Vakawana mavhoti mapfumbamwe, vakadyiwa saka
havachapinda. Munoona kuti hazvinyatsoita zvakanaka. Siyano yevnahu
yemapato mairi, munhu mumwe chete. Saka, vamwe vanoti dei tangataati
uyu munhu, ngatimupeiwo zvinano tichitarira kuti akawana vasarudzo
vakaita sei inonzi 'Proportional Representation'. Izvi
zvinoitika kuti tizoti vanhu vese zvavo vanenge vari munyika, vanenge
vachit tine chekuita nehutongi wemunyika nokuti tine vanhu vedu
vanenge variko. Kana tichinyora Bumbiro remitemo, tione kuti pamwe
tasanganisa here yavanoti 'First Past the post', neyavanoti
'Proportional Representation', kuti zvinhu zvedu zvifambe
zvakanaka.
Pekuti tosiya
here kuti mumwe akwanise kudoma vamwe, zvinonetsa. Pekutanga tanga,
pataitaura nezvizvi, takataura nenyaya yebhuku rinozi 'Animal
Farm'. Raitiro, vakatangu vachiti "All animals are equal"
kuti mhuka dzese dzakafanana. Asi nekufamba kwenguva, vangavakuzoti
"all animals are equal, but some are more equal than others".
Saka kana tichiiti tese takafanana, ko kuzoti mumwe ngaadomwe vamwe
ten, vamwe fifteen, tavakuti zve tese takafanana, asi vamwe vakanyanya
kufanana kupinda vamwe. Havichanyatsoita zvakanaka nebumiro redu
remitemo.
Mumwe mubvunzo
wakanangana neizvi, ndewe kuti munyaya yesarudzo yaPresident, indava
tichiiti vanovhota kuma polling stations ari kumamisha avo. Tikata
munhu enda unovhota kwaunoda nekuti urikuvhotera Presdient, haticha
ziva kuti vanhu vavhota kangani. Zvinenge zvakanaka kuti tinyatsoona
kuti taona kuti munhu avhotera apa, haachakwanisa kuti anede futi
kumwe kuno vhota.
Listen - Shona
2.
Mubvunzo wanhasi urikubva kuna Vincent. Ari kuda kunzwa kuti tingadzivirire
sei Bumbiro revanhu kubva mukushandurwa-shandurwa sezvakaitwa Bumbiro
ratinaro nhasi. Tingaite sei kuti Bumbiro rirege kukanganiswa nevamwe
vanenge vachida kuti rivape mukana panyaya dzematongerwo enyika?
Kana tichida
Bumbiro remitemo, tinenge tichikarira kuti Bumbiro iri richatishandira
kusvikira rini? tinofanira kugara tichiziva kuti pangangove nguva
yekuti Bumbiro richinjwe, riitwe 'amended.' Pane zvinhu zvitatu
zvatingaite kuti tinyatsoona kuti Bumbiro redu haringochinjwa kana
munhu zvake aguta sadza woti ndakuda kuchinja. Chekutanga ndechekudai:
tinogona kutaura kuti uyu mutemo uyu, hauzofa wakachinjwa futi.
Zvokuti kana zvikaita sei, hauchinje.
Pamwe tingati,
hatingadaro, nekuti hatizviziye zvamangwana, ngatitiyi kuti mutemo
uyu hauzochinjwa kusvika makore makumi nemashanu apera. Ndochekutanga
ichocho.
Chechipiri,
nedechekuti tichitarira Bumbiro rega rega, tingaite sei munyaya
dzekuchinjwa kwebumbiro iroro. Bumbiro ratinaro mazuvano nderekuti
kana tichida zvichinjwe, tichida kuita maamendments iyaya. Kana
uine vanhu muzana mega mega, vanhu vanokwana sixty-six kana kuti
two thirds, vanofanira kubvumirana nekuchinja ikoko.
Chikuru ndeche
kuti tinofanira kunge tichiipa ruremekedzo kuBumbiro remitemo redu.
Tinofanira tichiiti munhu wes zvake ngaave anoona kuti Bumbiro iri
ndiro rinofanira kuteererwa nemunhu wese, yatinoti 'Constituionalism'.
Tikasabvuma kuti Bumbiro iri ndoorino saka kuti nyika yedu ifambe
mberi, zvichagara zvichitinetsa.
Listen - Shona
3.
Iro Bumbiro remitemo idza, richati kudii maererano nevanhu vanokonzera
mirizhonga yematongerwo enyika?
Ndoda kudzokera
kubva muna 2000. ndopakanyanya nyaya dzekushungurudzwa idzodzo.
Asi tinoona tichidzokera munhorono yedu yenyika yeZimbabwe, zvekushungurdzana
izvi zvino dzokerashure. Chaiko kudzokera kubva kuna 1980 zvichi
dzokera shure. Tinotori nemitemo inotaura kuti munhu anoshungurudza
mumwe anoitwa sei. Dei kurikuti mitemo iyoyo tayi nyacho isahndisa
nemazvo, zvechokwadi zvekushungurudzana izvi zvingadai zvave zvishoma.
Asi nekuti nhasi ashungurdzwa, tombotarisa kudivi, ndozinozosaka
kuti toita fanika tinsina mutemo inotibatsira.
Zingangove zvakanaka
hazvo, kuti patinotarisa bumbiro redu remitemo, tinyatsotaridza
kuti hatichada zvakare vanhu vemuZimbabwe kuti tishungurudzane.
Chinosaka kuti tiise izvozvo mubumbiro remitemo ndezvekuti tinonyatso
taridza isusu kuti nyaya yekushungurudzana inyaya yatinokoshesa,
zvirizvo takuisa muBumbiro remitemo.
Zvatakuisa muBumbiro
remitemo, tichibva mukushungurudzana, tichipinda munyika itsva,
ngationei kuti taisa muchapter yandingati maTransitional Mechanisms
kuti tione tagadzirisa nyaya yekushungurdzana.
Listen - Shona
4.
Bumbiro richakwanisa here kuti vaya vakakuvadzwa nekukanganiswa
nemhirizhonga yematongerwo enyika vabhadharwe?
Iyezvino tine Bazi rino
fanira richiita basa iroro, reOrgan On National Healing. Asi vamwe
varikubvunza kuti kobazi iri ririkupi, zvirkufambiswa sei? Zvandingango
taura ndezve kuti tine mapazi anofanira achifambisa basa iri. Asi
tinenge tisiri kuita izvi nemazvo kuti vanhu vakakanganiswa vanoitwa
sei. Saka kana tichnyora Bumbiro redu remitemo, ngationei kuti raita
zvinhu zvandingati zvinhu zviina.
Chekutanga, ndechekuti
Bumbiro redu remitemo ranyatso taura kuti izvi hatizvide. Tichaita
mitemo inotaridza kuti tapa udzamo kuti zvinhu zvekushungurudzana
hatizvide.
Chechipiri,
kana paine vanoramba vachingoshungurudza vamwe, toona kuti panyatso
onekwa kuti kana paine vanhu vanoona kuti vanyatsonzvera, kuona
kuti chaizvo-chaizvo kushungurudza uku kurikuitwa nani, sei.
Chechitatu, toona kuti
ivovanhu varukushungurudzwa ava, tanyatso kwanisa here kuti tiiti
kana waitwa zvakadai, iwewe uchazo kwanisa kuti uitirwe zvakadai.
Kuti zvawaitwa zviya zvive zviri zvhinhu zvisingazoitika futi.
Chechina, chekugumisira
ndechekuti ngationei kuti ivo vanhu vanoshungurudza vamwe, tavaendesawo
pamberi pevamwe pakuti vanhu vazhinji vaone kuti kana ukashungurudza
vamwe, either uchasungwa nemapurisa, kana kuti uchaenda kwashe,
kana uchaenda papi zvako kuti tione kuti zvinhu izvi handi zvekungoti
munhu anoita zvaanoda.
Listen - Shona
5.
Nhasi mubvunzo wabva kune vanhu vakawanda vanosanganisira, Reason,
Robert, Kudzai naGift. Vanobvunza kuti; chii choitika kana Bumbiro
idza richi tsigirwa nevahu asi Paramende yoriramba. Kana kuti Paramende
ytsigria Bumbiro racho, asi rorambwa nevanhu?
Zvandaita ndezvekuti
ndichipindura mubvunzo uyu, ndikutaurirei kuti chokutanga ndechekuti
iyezvino patiri takuenda pachinhano cehkuno bvunza vanhu kuti varikuda
chii muBumbiro remitemo, yatinoti Outreach Programme. Patinobva
paOutreach, pane matano mana atinofanira kupinda maari tisati taburitsa
Bumbiro remitemo.
Dano rekutanga,
nderekuti tichibva muOutreach tichanyora Bumbiro iri ratichaenda
naro kune yatinoti 'Second All Stakeholders Conference'.
Ungano iyi ichaona kuti Bumbiro ranyorwa, riri kunyatso taura here
zvakataurwa nevanhu patakano tapa Mazwi avo muOutreach Programme.
Kana ungano yapedzene basa rayo, Bumbiro iri richaenda kuParamende.
Chinhano chechipiri hachisvikike kana Second All Stakeholders Conference
ikarega kutsigira bumbiro idza. Tabva kuParamende, toenda kuReferendum.
Kana kuReferendum vakati aiwa, Paramende yatsokodzera-tsokodzera
Bumbiro, harisiro rakabva ku All Stakeholders Conference zvatopera
ipapo. Kana Bumbiro ratsigirwa kuReferendum, richazoenda zve kuParamende
kuti rigoonekwa kuti raita 'pass through Parliament,' roitwa yatinoti
'Formal Adoption'.
Saka nhano dzandataura
idzi dzinofanira kupindirana. Kanadzikasa pindirana, hatina Bumbiro
remitemo. Saka ngatione kuti dzapindirana.
Listen - Shona
Visit the Kubatana.net
fact sheet
Audio File
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|