|
Back to Index
Minister
of Constitutional Affairs, Advocate Eric T Matinenga, answers your
questions about the Constitution making process in Zimbabwe - Week
3 - Shona
Kubatana.net
May 2010
View the listing
of all questions and answers here
View week three
questions and answers in English here
View week three
questions and answers in Ndebele here
View audio file details
1.
Mubvunzo wedu wanhasi uri kubva kune vanhu vazhinji vemuZimbabwe,
vanosanganisira Somar. Vari kubvunza kuti konzero dzedu sevanhu
dzingachengetedzwa sei mubumbiro idzva remitemo?
Chekutanga ndechekuti
kana dziri kodzero chaidzo chaidzo, kana munhu akandikanganisira,
ini ndinofanirwa kuenda kudare kunogadziriswa. Chechipiri, ndechekuti
kodzero ngadzive dzakasimba kuti pasawane munhu anogona kudzishandurashandura.
Hurumende inowanza kuda kudzvinyirira vanhu, ngatiwonei kuti hurumende
haingoti chero payada yoshandura konzero dzevanhu.
Chechitatu,
toonawo zvakare kuti paya panoti hurumende inoda kushandura konzero
nenzira yatingati muchirungu "amendment", bumbiro idzva
iri ngariite kuit zvisave nyore kungoshandura nedzimwe kodzero dzakakosha.
Kana zvichibvira shanduro yakadaro ngaibve yoda kutoti pabvunzwe
veruzhinji.
Chechina ndechekuti,
pane mapazi atinofanira kuti tione kuti aiswa kuti agadzirise kodzero
dzedu. Pane inonzi "Human Rights Commission", pane inonzi
"Gender Commisssion", uye "Anti-Discrimination
Commission", aya mapazi anobatsira kuti tione kuti konzero
dzedu dzive dzinoonekera mumitemo. Kozoitawo kuti pane vazhinhi
vedu vasingakwanise kana kuziva kuti kudare chaiko vanoenda sei,
konzero dzavo dzinotariswa papi, izvozvo ngationei kuti mutemo wedu
wazivikanwa kuti vanhu vanyatsoziva kuti kana konzero dzavo dzakanganiswa,
vanozvifambisa sei. Vanhu, nevari kumaruwa ngavazive kuti kodzero
dzavo ndedzipi. Ngazvitange nekuvana vechikoro kuti navo vagoziva,
uye, vagofundisawo vamwe vechikuru vasingachaziva kuverenga. Toendawo
kune vanhu vakaita semapurisa nevechiuto, ngavazive kuti kana vachibata
vanhu vanovabatawo nedzira dzipi.
Listen - Shona
2.
Zvingaitwe sei kuti tive nechokwadi chekuti bumbiro nemitemo richachengetedzwa
uye richatevedzwa nemunhu wese wemunyika kusanganisira mutungamiri
wenyika, risingatyorwe tyorwe nevamwe vane masimba?
Ngationei kuti
kana tichigadzira bumbiro remitemo tanyatsotaura chaizvo zviri pachena
kuti, hongu, munhu angave ari President, asi kana taave paBumbiro
remitemo takafanana. Ndiyo inonzi pachirungu 'equality before
the law'. Nekuti kana iwe uri mukuru, ukatanga ndiwe nekutyora mutemo,
vamwewo unozovatsiudzawo sei. Ngaitionewo kuti paBumbiro iri hapana
mutemo unoti umwe uyu ndiye mukuru, umwe uyu ndiye mudiki. Kana
tati takafanana tose, zvinoreva kuti munhu wese munyika akafanana.
Torega kuti mangwana tozoti kune mamwe ma"Chef" koita
dzimwe povho. Nekuti kana tiri paBumbiro, vanhu vese vakafanana.
Nekudaro ngatinyotsoonei kuti patiri ipapa takafanana. Torega kuti
kana munhu ari "President" toti haabatwi, mutemo ngaunyatsove
pachena kuti kana vanhu vasisade "President" vanozvifambisa
sei.
Listen - Shona
3.
Mubvunzo wedu wanhasi uri kubva kuvanhu vakati wandei, vanosanganisira
Primrose, Fredy, Onai, naClark.Vanobvunza kuti, kodzero dzezvikwata
zvidiki zviri munyika, zvinosanganisira vakaremara, masope, memamwewo
marudzi madiki, uye nevechingochani, dzichachengetedzwa sei mubumbiro
idza?
Pane zvitatu
zvatingaite kuti vanhu vakadai tinyavagadzirise sei? Chekutanga
ndechekuti, ndinoona kuti zvingave avakanaka kuti tionewo kuti bumbiro
rive nemutemo unoona kuti muParememde medu muvewo nemumwechete kana
vazhinji vanomiririra vanhu vakaremara kana vane zvinovanetsa.
Chechipiri ndechekuti,
ngatiwonewo kuti vanhu vechikadzi vanyatsopiwawo mukana wekutungamira
muHurumende. Ngatiisei mubumbiro kuti vanhu ivava tivaitirewo zvakanaka
nekukurumidza kuti vavewo pari nani. Yatingati nechirungu 'Affirmative
Action', kwete yatinoinzwa vanhu vanoti dai ndatora makambani evanhu
ave edu tichiti affirmative action, ihoho hundyire, haisi affirmative
action.
Chechitatu ngationei
kuti ma Institutions akaita sema "Anti-Discrimination Commission",
nema "Gender Commission" atakambotaura aya, anokwanisa
kuti atibatsire kunyatsotarisa kuti vanhu vanga vasingatariswe zvakanaka
takwanisa kuti tivakadzirisirewo.
Listen - Shona
4.
Kudzie ndiye abvunza mubvunzo wedu wanhasi, ari kuti, vatungamiri
vehurumende yemubatanidzwa, vanokwanisa here kuti kuitwe sarudzo
dzevatungamiri venyika pasina bumbiro idzva remitemo?
Hongu tinokwanisa
kuenda kusarudzo kusina bumbiro idzva remitemo. Asi tinoona sekuti
handizvo zvakatinakira, handizvo zvatinoda. Naizvozvo tinoda kuzoenda
kusarudzo tava neBumbiro idzva emitemo rakanaka, tichikarira kuti
rinenge riri Bumbiro rakasiyana neratiinaro nhasi, richava bumbiro
rinonyatsoona kuti kana tichienda kusarudzo, tava kuenda kusarudzo
kwete kuti tava kuenda kunorwa fanike zvakaitwa mazuva apfuura.
Tinovimba kuti iBumbiro rinoti kana tapedza sarudzo tinonyatsoti
tasarudza vanhu vatinoda kwete zvekuti tasarudza nekuti tamanikidzwa
nangana. Ndiyo mhaka tiri kuti tiende kusarudzo tava nebumbiro idzva
remitemo. Asi chikuru ndechekuti kunyangwe Bumbiro rakataura zvakanaka,
isu vanhu tisati tashanduka mupfungwa, zvichatinetsa. Ngatitarise
zvakaitika muna 2008, muna "March" zvakanga zvakanaka
nerunyararo, paupenyu hwangu inguva yandakafarawo kuti ndakakwanisa
kutaura nevanhu zvakanaka saMP. Asi tava kuzoenda kuna "June"
masamba akanga asiyana, takaita sekunge taive mune imwe nyika isiri
Zimbabwe asi hapana mutemo wakanga washanduka kubva muna "March"
kusvika muna "June".
Tinozviziva
zvakaitika kune nzvimbo zhinji, zvakaitika nekuti, vanhu vemuZimbabwe,
iwo ma'Chef'' enyu iwaya, vanofunga kuti kana zvinhu zvakasaitika
sezvavanoda hakusisina mutemo. Saka chinhu chikuru ndechekuti ngationei
kuti tapa rukudzo kumutemo. Takaona pachibvumirano chakaitwa muna
September 2008, chibvumirano ichocho chinotaura kuti, mapato ese
anozvipira kuti munhu wese asununguke kuita zvaanoda nezve matongerwo
enyika, mapato ose anofanira kuremekedza mutemo wenyika, uye kuti
vanhu vedu vechipurira, chiuto nevamwe vanofanirwa kuita basa vachiti
vari kuita basa reZimbabwe kwete kuti vari kuita basa remapato ezvematongerwo
enyika. Zvinoreva kuti vanhu vese vanokarirwa kuti vagopa remekedzo
kubumbiro remitemo. Saka parizvino tinotarisira kuti vanhu vashanduka
maiitiro avo kuti tizoita sarudzo yatinogona kudada nayo.
Listen - Shona
5.
Mubvunzo wedu wanhasi uri kubva kuna Shame, ari kubvunza kuti; Zvingaitwe
sei kuti vabati vezvigaro zvehurumende vaite basa ravo zvisina huwori,
ndeipi dziviriro ingapiwe nebumbiro remitemo ingaite kuti mauto
enyika arege kuva nebato ravakarerekera?
Ndakambotaura
kuti pachibvumirano che GPA vanhu vechiuto nemapurisa vanonzi vanofanirwa
kusevenza vachiti vari kusevenzera nyika yeZimbabwe kwete bato rematongerwo
enyika. Naizvozvo ndinotiwo ngatiwonei kuti zvakabvumiranwa izvozvo
zvipindewo muBumbiro idzva remitemo. Kuitira kuti ivo vanhu ivavo
vari kumauto nekumapurisa hafazongofunga kuti vanoita zvavanoda.
Tozoona zvakare kuti pabumbiro remitemo ratinaro nhasi, kune inonzi
"Police Service Commission", "Defense Service
Commission", "Prison Service Commission". Iwo
mapato iwaya anoona kuti mauto, mapurisa neveku "prison"
vanashanda sei, Chairman wavo ndiye mumwe chete, iye arizve Chairman
weku "Public Service Commission". Tozoti nhai vedu wee,
ko iye munhu iyeyo wega wega ndiye anonyanya kugona zvakaita sei?
Kuti ndiye anonzi chairman vepapa, chairman wepapa nepapa zvekare,
ko isusuwo vamwe tozoita maChairman epapi? Saka zvinenge zviri zvakanaka
kuti kana tichinyora bumbiro redu remitemo tione kuti simba rose
harisi mumunhu mumwe chete. Takambotaura nyaya yekuti "executive
power" yakanyanya mumunhu mumwe chete. Iye zvino tava kuona
kuti utungamiri hwese hwema "executive commissions"
huri mumasimba emunhu mumwe chete.
Saka ngationei
kuti kana tava kunyora Bumbiro redu remitemo tanyatsoongorora ipapa
sezvo chisiri chinhu chakanaka kuti munhu mumwe chete agova ari
iye chete anotungamirira ma "executive commissions"
ose.
Handifunge kuti
pane chakaipa kana mukuru weku "army" kana wemapurisa
akati anoda zvake kuita zvematongerwo enyika. Zvandiri kutaura ndezvekuti
kana mukuru wemauto kana wemapurisa achida kuvhotera zvake bato
raanoda hazvina chakaipa, asi kana ava kuudza mauto ose kuti vhoterai
uyu musingade kana muchida, kana kuti anotaura kuti kana nhingi
akakunda musarudzo ini handisarute. Aiwa ikoko munoti kungava kuitawo
here? Saka tiri kuti kana munhu ati anoda kuti aende kuneimwe nzvimbo
anoita "Member of Parliament" zvakangonaka kuti munhu
iyeya asiye zvake zvechipurisa, chiuto kana chi "Prison Service"
oita zvamatongerwo enyika.
Listen - Shona
Visit the Kubatana.net
fact
sheet
Audio File
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|