|
Back to Index
Minister
of Constitutional Affairs, Advocate Eric T Matinenga, answers your
questions about the Constitution making process in Zimbabwe - Week
2 - Shona
Kubatana.net
May 2010
View the listing
of all questions and answers here
View week two
questions and answers in English here
View week two
questions and answers in Ndebele here
View audio file details
1.
Nyaya yekodzero dzekuva mwene wevhu yatingati muchirungu "land
tenure" ichagadziriswa sei mubumbiro idzva remitemo.
Ngatitange tanyatsoona
kuti kana tichiona kuti minda tinoirima sei zvakamira sei, pane
vakapiwa minda nehurumende iya yakatorwa nechisimba vachipiwa tsamba
yekuti vaende kunorima ipapo, tsamba iyoyo ichimupawo dziviriro.
Kozoita vanhu vaya vane minda yavo vane atinoti ma "title
deeds" yekuti munhu akadaro anokwanisa kuita zvake zvaanoda.
Koita isu vekumaruzevha tisina kunge tawanawo minda yakapiwa vamwe.
Asi minda iyi iri pasi pemaKanzuru kana pasi pemadzishe. Chiri kunetsa
ndechekuti munhu anofanira kuti azive kuti achagara pamunda wake
kwenguva yakareba zvakadini, zviri kunetsa nekuti kana uine "offer
letter" iya, hongu inokwanisa kupa 99 years asi inokwanisa
kukubvisa panzvimbo kana mangwana. Saka tinoda kuti vanhu vari paminda
vazive kuti vachagara pamunda iwoyo kwenguva yakareba sei pasina
munhu anouya kunovanetsa. Zvinoita kuti munhu agonewo kuronga chimwe
chinhu pamusoro pemunda iwoyo, zvakaita sekuvaka madhamu, dzimba
nezvimwe zvakadaro sezvo anenge achiziva kuti akasununguka.
Takasakwanisa
kudaro vanhu havachakwanisa kurima vakadekara, hatichakwanisa kusimudzira
upfumi hwenyika. Saka pakunyora bumbiro ngadionei kuti vanhu vanogona
kurima, kwete munhu wesewese zvake, asi vanogona kurima, vanyatsokwanisa
kuti vagare panzvimbo kwenguva yakaringana vachiwanawo rubatsiro
pakurima kwavo.
Listen
2.
Tingaite sei kuti veCOPAC vasave vaine bato ravakarerekera?
Kuti vaite zvavaoda
zvisiri zvedu zvinovati netsei, ndinodaro nekuti Committee inevanhu
makumi maviri nemashanu vemapato akasiyana. Vanotozongokwanisa kuita
zvavanoda kana vakabvumirana vose muchikwata chavo ichochi. Asi
nekuti vari kubva kumapato akasiyana siyana, kuti vagotinyengedzera
zvinonetsa nekuti zvinenge zvava kureva kuti mapato ose iwaya abvumirana
kunyengedzera. Handifungi kuti zvingagoneke zvakadaro nekuti mapato
acho anosiyana mupfungwa nemukuita. Tobva ipapo kune chikamu chinonzi
"Management Committee" nechinonzi "Steering Committee",
zvose zvine chekuita nekunyorwa kwebumbiro. Saka Committee yeCOPAC
iyi haigone kuva yakasununguka zvachose kuita zvainoda, pane pamwe
panopindirawo ve "Management Committee" ne "Steering
Committee". Saka tinovimba kuti hazvisi nyore kuti vakwanise
kuzongoti vava kuita chinoti chiri kunze kwezvinotarisirwa.
Listen
3.
Mubvunzo wedu wanhasi uri kubva kune vanhu vakati wandei kusanganisira
veKwaMutare neKuchipinge. Vari kuti, zvichaitwa sei kuti vanhu vanzwe
kusununguka kutaura maonero avo nezvavanoda mubumbiro remitemo,
sezvo vamwe vedu tava kutosangana nedambudziko rekutyisidzirwa?
Vamwe vari kuti pane
boka riri kufamba richiti, kana vanobvunza vauya, pindurai muchiti
zvakati nezvakati. Haungati boka iroro rirege kuita zvariri kuita
nekuti ndidzo pilitics dzacho. Asi kunenge kuri kutyisidzirwa kana
boka rikauya richiti "tinoda kuti mugoti zvakati, kana makarega
tozokurovai kana kukudzingai munzvimbo". Vachauya kuzobvunza
vanotarisirwa kuti vagove vaine mapurisa, panotarisirwa kuti pagove
nemapurisa mashano pamusangano wega wega. Hongu panenge pane mapurisa
asi tinoda kutiwo vanhu vasatyisidzirwe tabva pamusangano iwoyo.
Tinokurudzira vatungamiriri vemapato kuti vagoudza vanhu vanovatevera
kuti kutyisidzirana hakutenderwe. Kuvanhu, tiri kuti, regai kushandiswa
kutyisidzira vanhu zvisina maturo sezvo hapana chamunowana kubva
pazviri.
Ndakazviona
kuti vazhinji vacho vanenge vachityisidzira vanhu ivava, iye zvino
vamwe vachingori marombe, chavakapiwa hapana. Saka munhu ngaazvicherechedze
izvozvo kuti pane zvaanowana here. Tinokarirawo kuti mapurisa achaita
basa rawo nemazvo kwete zviya zvekuti 'iyi nyaya ndeye politics,
yabva kubato rakati', dai tasiyana nazvo tione kuti taita
mitemo yedu zvinounza runyararo muZimbabwe. Pane bazi rinonzi re
"National Healing" tinotarirawo kuti bazi iroro riite
zvarinogona kuti patinopedza misangano iyi, vanhu vange vachigara
zvakanaka. Bazi iroro nemapurisa edu vanofanira kuita basa ravo
kwete nekuti kuri kunyorwa bumbiro remitemo, asi nekuti vari kuita
basa kubva nhasi kusvikira narini.
Tinokurudzira
kuti mumaruwa vanhu tigare zvakanaka zvisineyi nekusiyana kwemapato
atinodzigira.
Listen
4.
Mubvunzo vedu wanhasi uri kubva kune vanhu vakawanda kusanganisira
Wellington naKudzanai, vanobvunza kuti, Bumbiro remitemo rachati
kuti maringe neyatingati muchirungu "Executive branch"?
zvichibvira kuti, mutungamiri wenyika anofanira kuve nemakore akawanda
zvakadini, akachungamira kwenguva yareba zvakadini, uye kuchava
here nezvigaro zviviri chaPresident na Prime minister?
Ndinoda kukutaurirai
kuti zvandiri kutaura, handisi kuti ndizvo zvamunofanira kuti mutaure
kwete asi ndizvo zvandinofungawo kuti pamwe zvingatiitire zvakanaka.
Asi zviri kwamuri imimi vanhu veZimbabwe kuti muchapindura mubvunzo
uyu muchiti kudii kana mabvunzwa. Ngatitangirei pabumbiro ratii
naro nhasi uno reku "Lancaster House". Bumbiro iroro
rinoti munhu ari panyanga ndiPresident, hezvo tobvapo toenda kuchibvumirano
chakaitwa musi wa15 Septemder chakaita kuti kugove naPrime Minister.
Chibvumirano ichi chinoti masimba ari muvanhu vatatu, muna President,
Prime minister nekanzuru yake, uye ari kuCabinet. Asi ukanyatsoongorora
unoona kuti masimba a president nea Prime Minister, anenge akangodzonyongodzwa
dzonyongodzwa. Hazvinyatsooneki kuti Preident vanotangira papi vachisvika
papi, Prime minister vanotangira papi kusvika papi, Cabinet, uye
Council of ministers zvinotangira papi kusvika papi.
Saka zvatinofanira
kuita, ngationei kuti tiri kuda here President naPrime Minister.
Asi ini ndinotiwo veduwe, kana tichiona kuti upfumi wenyika yedu
haugone kuchengeta zvigaro zvizhinji zhinji, uye zvigaro zvacho
hazvinyanyobatsira, ngationei kuti tive nemunhu mumwe chete. Ndinoona
kuti ngatiive naPresident bedzi, asi takavawo nevaviri, ngatisave
nemunhu anogara pachigaro kusvika madhongi amera nyanga. Ngatiive
nevanhu vanogara pachigaro kwenguva yatinotema isu, ingava ma"term"
maviri. Kana nguva iyi yapera munhu anozorora zvake vamwe vowana
mukana wekuedzawo zvavanogona. Hongu zvakaitika zvazvo tichishandisa
bumbiro redu reLancaster iri, asi handione sekunge zvakanyanya kutibatsira
senyika. Kana tava nemunhu anotitonga ngationei kuti masimba haasi
ake ose, tione kuti mamwe ayenda kumaruwa. Uye toonawo kuti hatisi
kupa masimba eumbimbindoga kuvatungamiri. Ngationei kuti taitawo
rimwe bazi rinokwanisa kutsiura nekudzoreredza mutungamiri wenyika.
Listen
5.
Mubvunzo wedu wanhasi uri kubva kuna Mashasha, anobvunza kuti, Ndeupi
mutemo watingaise mubumbiro idzva unoita kuti maMember of Parliament
vave accountable kune vanhu vavanomiririra, zvingagone here kuti
paitwe ma "Recall votes" kana MP asiri kuita zvinotigutsa?
Pane paviri
patingaone kuti tinokwanisa kuti kana makore ake asati akwana tinogona
kumuti dzoka titsvake mumwe. Pane pekuti munhu uyu apinda muParamende
achiti ndiri wekubato rakati. Boka iroro rine mitemo yaro, kana
agara kwechinguva oona kuti haachapindirana nemitemo yeboka iroro,
ava kuda kuenda kune rimwe boka idzva. Kana zvadaro ndinofunga kuti
munhu akafanira kuti adzokere kuvanhu vakamuvhotera kuti navo vave
nechekuita. Mutemo uripo ikozvino unoti mukuru webato remunhu iyeyo
ndiye chete anoyenda kuna"Speaker" weparamende otaura
kuti munhu abva kubato rake ava kune rimwe, apa vanhu vakavhota
havana chekutaura pazviri. Saka ndinofunga kuti pakadaro vasarudzi
ndivo vanofanirwa kuti vabvume kana kuti vagoda zvavo kutsvaga mumwe
munhu.Semuenzaniso, tinoona kuti vaJonathan Moyo vakambopinda vachiti
vakazvimirira vega, iye zvino vava kuZANU PF. Asi vanhu vekuTsholotsho
pada vakavavhotera nekuti vaisada munhu weZANU PF, saka ndinofunga
kuti kana munhu angodaro anofanira kudzokera kuvanhu vake.
Pechipiri ndepekuti
vanhu vanongoti vava kuda mumwe munhu pachigaro pada nekuti Havana
kufara nemashandiro emunhu wavasarudza. Ipapo panonetsa nekuti zvinonetsa
kuti vanhu muve nechinobatika chamungati MP atadza. Zvingaitika
bedzi kana nyika yakati yava nema "development funds'
ekuti MP anopiwa nehurumende kuti aite development kunzvimbo yake.
Vanhu vozoti vasina kugutsikana nemashandisirwo emari iya, ndipo
pavangati vava kuda mumwe munhu. Pari zvino zvakati womei.
Listen
Visit the Kubatana.net
fact
sheet
Audio File
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|