|
Back to Index
Minister
of Constitutional Affairs, Advocate Eric T Matinenga, answers your
questions about the Constitution making process in Zimbabwe - Week
1 - Shona
Kubatana.net
May 2010
View the listing
of all questions and answers here
View week one
questions and answers in English here
View week one
questions and answers in Ndebele here
View audio file details
1.
Bumbiro remitemo remuZimbabwe rinoitei? bumbiro iri rakasiyana papi
nemamwe anowanikwa mumisangano yakaita sema "youth group"?
Kana tiri kutaura
nezvebumbiro remitemo, tiri kutaura nezve mutemo mukuru pane mimwe
mitemo yose munyika. Nekuda kwekuti ndiwo mukuru, munhu wese akafanira
kuti agoutevera. Mumwe mutemo usingapindirane nemutemo mukuru uyu
hauna chaunoshanda. Saka munoona kuti mutemo uyu zvaunofanirwa kuteverwa
nemunhu wese, mutemo we"organisation" unosunga vanhu
ve "organisation" iyoyo chete.
Ndinoona kuti
mubvunzo uyu wabva kwaMutare, Semuenzaniso ngatitorei chikwata chinoimba
chekuSakubva. Zvinoreva kuti chikwata ichocho chinogona kuva nebumbiro
remitemo yacho inoteverwa nevanhu vechikwata ichocho. Ini ndinogara
kuHarare, handisi mumwe wechikwata ichi, saka handisungwe nebumbiro
remitemo yechikwata ichi. Asi hazvinei kuti uri kuchikwata chekuimba
ichi kana kuti ndiVaMatinenga vari muHarare, kana bedzi uri mugari
wemuZimbabwe, tose tinosungwa nebumbiro remitemo yeZimbabwe.
Listen - Shona
2.
Nhasi mubvunzo wedu uri kubva kuna Kudzie, ari kubvunza kuti iko
kugadzirwa kwebumbiro kuchatora nguva yakareba zvakadini, uye sei
zviri kunonoka?
Vanhu vanenge
vatoneta vachiti hapana kwatiri kusvika. Ragai ndikutarirei kuti,
kubva patakatanga munaKurume 2009, pane nhanho dzatafamba dzinoratidza
kuti tiri kuenderera mberi nebumbiro. Nhano yekutanga ndeye kuti
pachibvumirano cheGPA
kwakatenderanwa kuti pabumbiro panofanirwa kuita "Select Committee"
yevanhu vari muParliament, izvozvo takaita.
Tabva ipapo takava nemusangano
wekutanga wainzi "Stakeholders' meeting", musangano
iwowo wakaita kuti tizive kuti vanhu vari kuda chii panyaya yekuti
kana tava kuenda ku "outreach programme" yatichataura
tinenge tichiziva kuti tinenge tichinotsvaga chii. Tabva izvozvo
takaita kuti ivo vanhu vari kuenda kunevanhu vafundiswe kuti kana
vari kuenda kune vanhu vanenge vachitaura chii.
Tabva ipapo takada kufundisazve
vanyori, vanonyora kuti patanga tiri pamusangano wakati, vanhu vataura
kuti kudii. Vanhu ava tava navo, vakafundiswa, saka iye zvino tava
kuenda kunobvunza vanhu, chinova ndicho chikamu chinokoshesesa chekuvaka
bumbiro remitemo nekuti kana tichienda kune vanhu, imi vanhu, ndimi
munototaura kuti munoda chii mubumbiro remitemo iri. Bumbiro remitemo
harisi raVaMugabe, raVaTsvangirai kana kuti raVaMutambara, bumbiro
nderenyu imi vanhu.
Saka kuti vanhu vataure
zvavanoda vakasununguka, takati hapana anofanirwa kuve akabata rimwe
ngwaro ringaite se "Kariba draft, Lancaster house agreement",
kana ripi zvaro. Saka mapato ose akabvumirana mibvunzo ichabvunwa
vanhu. Mibvunzo iyi inenge ichienderana nema"theme"
akabva pa "fist stakeholders" conference. Saka vanhu
ngavasatya zvavo kuti ndakaenda kumisangano iyi ndinganzi bvuma
Kariba draft, kwete hazvisi zveKariba, takabvumirana kuti muchanobvunzwa
mibvunzo yekuti muchanobvunzwa kuti munoda chii. Pane nyaya yema
"Citizenship rights", pane nyaya yema "bill or
rights' panenyaya yelocal government, pane nyaya ye "devolution"
saka zvese izvi muchange muchibvunzwa kuti muzvitaure pamuchazoita
misangano.
Mari ikozvino
yavapo, nekudaro vanhu vachasangana musi wa10 Chivabvu kuti vagadzirise
mibvunzo iyoyi. Saka tinokarira kuti kupera kwaChivabvu tinenge
tava kupinda mu "outreach programme" kana tapedza programme
iyoyo tinenge tava kupinda pakunonyora bumbiro remitemo. Richanyorwa
zvichienderana nezvakataurwa nevanhu. Tabva ipapo tichaenda kunonzi
ku "second stakeholders' conference" tabva ipapo
toenda ku "Referendum". Tinokarira kuti zvose izvi zvichazopera
tava nebumbiro chairo rabvumwa nevanhu vose muna Kubvumbi, gore
rinouya.
Listen - Shona
3.
Mubvunzo wanhasi wabva kuna Philebon, ari kubvunza kuti, ko Kariba
Draft ine bara rei pakunyorwa kwebumbiro remitemo.
Vanhu havafanire
kutya. Takabvumirana kuti vanhu vachabvunzwa mibvunzo zvichibva
pamaTalking
Points. Ma "talking points" aya akabvumiranwa nemapato
matatu ari muhurumende. Uye vanhu havasi kuzonamatirana nema "talking
points" chete. Pakasununguka kuti vanhu vaunzewo zvinhu zvitsva
zvavanoda. Naizvozvo hapana munhu achauya ne Kariba draft, kana
rimwe draft zvaro kunze kwema "talking points" andataura.
Ndiri kuti vanhu ngavasununguke pavanouya kumisangano iyi varege
kutya, asi vanzwe kuti vari kuita chikamu chavo pakunyorwa kwebumbiro.
Listen - Shona
4.
Isu vekuMatebeleland nekuMidlands ticharamba kutsigira bumbiro iri
kana risina "devolution of power", Nyaya ye "devolution
of power" yakamira sei?
Kana tichiti
kuzvitonga munyika hazvireve kuti Midlands inenge yava nekahurumende
kayo yega, kana kuti Manicaland yave nekahurumende kayo yega kwete.
Kana tichiti kuzvitonga kuri mumaruwa, tinenge tichiti dai maruwa,
akawanawo kuzvitonga kune tsarukano. Kana tichiti kuzvitonga kune
tsarukano tinenge tichiti kana takati pane maGovernor vatinoti ma
"Resident Ministers" vari kusarudzwa nani, vari kusarudzwa
nevanhu here kana kuti vari kusarudzwa nemunhu mumwe chete. Kana
tichiti kune Makanzuru, kana tichiti kune maLocal Authoirities,
ma "local authorities" nemakanzuru aya ndeye vanhu zvechokwadi
here. Saka kana tichiti tinoda kuti simba revanhu riende kumaruwa,
hatisi kuti simba riende kuvanhu vari mumaruwa ari kuMatebeleland
chete kwete, tiri kuti simba ngarienge kumaruwa kune vanhu vese
vemuZimbabwe. Ndinoziva kuti hapana munhu asingade kuti kuve nesimba
chairo rinonyatsoonekera rinoenda kumaruwa, saka ndinoti zvatinofanira
kuti tiite ndezvekuti, zvisineyi nekuti uri wekuProvince ipi, kana
vanhu vauya kunobvunza, enda kwavari unonyatsotsanangura kuti kana
tichiti masimba ngaaende kuvanhu, toita kuti simba riende kuvanhu
sei? Kana muri kuda kuti musarudze mega governor wenyu, endai munotaura
kudaro, kana muchida kuti hamudi kuti kanzuru ingotongwa neimwe
nzira naMinister wacho, endai munotaura kudaro, ndizvo zvinoita
kuti tigoti masimba edu tamaisa kuvanhu nemazvo.
Listen - Shona
5.
Nhasi mubvuzvo wedu wabva kuna vanaMalile, Marlene, Peter naCicely,
vari kuda kunzwa kuti bumbiro idzva richati kudii nezve "citizenship"?
Kana tikati
chizvarwa tinoona kuti pane munhu akaberekerwa muno asi vabereki
vake vari vekuAmerika, munhu iyeye haasi wemuno. Kana tichiti chizvarwa
tinotarisa munhu aberekerwa munyika imomo anekonzero (maRights)
dzemuno, kazhinji tinoti munhu wese azvarwa munyika imomo, anekodzero
dzekuti nyika ino ndeyangu. Tozoonazve kuti pane vamwe vanotaura
chokwadi kuti vari nyika yechizvarwa asi ozoti muna 2008 akaenda
kuma "elections," abva anonzi hauvhoti iye oshaya kuti
zvinofamba sei. Anobva anzi hauvhote nekuti sekuru vako vakabva
kuMozambique kana kuMalawi, kwaasingatozive iye munhu wacho. Saka
vanhu ivavo vanoita sevasiri kubatwa zvakana munyika yavaberekerwa,
asi ivo vasina imwe nyika yavanoziva, Zimbabwe iri iyo yoga yavanoziva.
Toonazve kuti dzimwe hama dzedu dzakaenda kunze kwenyika, dzinodawozve
konzero dzakaita sekuti vavhote. Saka tionei kuti toita sei kuti
vanhu vose vakagodzera vagove nekudada nenyika yavo yeZimbabwe.
Listen - Shona
Visit the Kubatana.net
fact
sheet
Audio File
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|