|
Back to Index
Mweya toyitoyi - The spirit of protest
G.O.D.
Obori
June 2008
View this piece
on the Poetry International website
Listen
View
audio file details
Tora mupanjere svina
ugosveta zivo
Suwo renduramo rokukwezvera mungwevo
Mukatatikati madzo idzo ninga dzemashavi
Anokutwa nawo zvirokwazvo atsaurwa
Tiri muchirorodziva muhura hwepasi
Anobuda muno ndiye akatendeseka
Evoyi chiremba chinengundu godobori
Ndimi nyakuva nechisvo chinotema nyora
Igangaidza-mukwenyi mhezi yekumusana
Ndayuwira ndayawura zvino ndotaura
Mhambetsika dzvetasimba rakabvuta tsvimbo
Rotivhundutsira isu kana totsutsumwa
Zvisina mhirizhonga tamboyedza zvakoniwa
Zviri zvesarudzo rinotibata kumeso
Chitikokerayi uya mweya Toyi toyi
Chimurenga uya mweya
Uya mweya Toyitoyi
Uya mweya toyi
ChiMurenga chiri mberi
Uya mweya toyi
Uya mweya Toyitoyi
Uya mweya toyi
ChiMurenga chiri mberi
Uya mweya toyi
Iti bha! Nyatsovhara
suwo nechekoko
Sungayi musasa nyatsosvombonora gonhi
Hapana anopoya kusvika ino yatsengwa
Hatingamboyibvura igukutu rokachidza
Ndofamba nayo mhanduwe chikwata chabayiwa
Sororenzowu vaMurenga tipeyiwo nzeve
Jambanja mhirizhonga chiya! chiya! zhii!
Vazonyanya vazowanza zvakwana tojamuka
Hapana ane simba rekutonga pavapenyu
Tisu torigova saka tisu toridzosa
Zvatada kuridzosa ngatingova muruzhinji
Mazwi emutana meso ake ari moto
Chemumusakasaka chinozvinzwira chomene
Hudzamu hwerunyararo rwevakadzvinyirirwa
ChiMurenga chiri mberi uya mweya toyi
Uya mweya Toyitoyi
Uya mweya toyi
ChiMurenga chiri mberi
Uya mweya toyi
The
Spirit of Protest
This a voice asking for
support from the spiritual world. It is the voice of a community
which is determined to change its circumstances.
The people have been
patient, hoping to bring change quietly, through the ballot box.
But the leadership is so ruthless that it will even steal the vote.
As such, the people are now determined to sing the war song and
march forward. After all, it is they who give leaders the mandate
to rule. So, they may as well withdraw that mandate.
About
the Author
G.O.D. Obori (meaning
spiritual healer, though the initials G.O.D. are an acronym for
"gaining one's definition"), whose given name
is Biko Mutsaurwa, has pioneered a new, striking form of poetry.
Marrying deep Shona with contemporary struggles, he effortlessly
blends Shona culture with the Hip Hop generation. G.O.D. Obori's
style is powerful and rhythmic, strongly criticising oppressive
systems in Zimbabwe and beyond. He has performed in Zimbabwe, Kenya
and South Africa.
G.O.D. Obori is also
a leading Hip Hop artist and community activist, organising alternative
shows in poor communities where music is used as a tool for liberation.
Audio File
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|