| |
Back to Index
Hubhinya,
Humbwa, Hutsvina
Betty
Makoni, Director and Founder, Girl Child Network
March
25, 2004
Wapinda mukati
kati, wadzika midzi hubhinya,humbwa hutsvina
Hubhinya- hugandanga, humhondi, huroyi
Humbwa, hukutu, hutsvina, ptu!!!!!!
Chirocho chakabve wako mupwere ndochowoise mumupwereyo
Wapinda, wadzika midzi mudzimbamo
Humbwa,hubhinya humhondi
Vamwe varume
dzonge pwere
Pwere ikange nani inoziva kuti dhodho mhamha
Kuziva tsvina kuti humbwa,hunodaidzirwa
Rume guru sve-e haunyari
Kukundwa nepwere, svava,
Kuparadza rudzi nehutsvina,humbwa,huyanga!
Ptu-u, tsvina,
hunzenza, humbwa chaihwo
Svee rume guru kubhinya kasvava
Harisvodi, harinyari kushaya neganda kumeso
Regai dzive shiri zai harina muto
Dzorai moyo, baba, sekuru, ticha, hadzvadzi, sabhuku
Hubhinya humbwa hutsvina!
Hubhinya humbwa,hutsvina
Ptu, svee rume guru harinyare
Huku inozvidyira mazai ngaipiswe muromo, ibhinya pondai
Ndeipi svava ingarapa mukondombera
Waniwo vanamazvikokota vakanda mapfumo pasi
Hubhinya,humbwa,huyanga, hu
.ptu !!!!!!
Pazai, chekai
nhengoyo, muti ptu tsvina, dhodho
Mweya wetsvina, mweya weuroyi
Imbwa, bhuratifuru,pfutseke kutu!!
Idzingei imbwa hukutu,mvonga, mharapatsetse mumusha
Vana,madzimai vagare tekeshere, vapombonoke, vafare
Hubhinya mweya wetsvina humbwa.
Detembo iri
rakanyorwa naMuzvare Betty Makoni Director weGirl Child Network
mushure mekunge abatsira musikana ane makore matanhatu kwaRusape
uyo akabatwa chibharo nababa vake akatsemuka nhengo dzose dzesikarudzi.Muzvare
Betty Makoni vane nyaya dzakawanda dzavakashanda nevasikana vakabatwa
nanababa vavo.
Muzvare Betty
Makoni vanoti, "Ari mwana wemumwe ari kunzi abhinywa inoita kunge
nyaya yemubhuku. Ari wako mwana abotwa nemurume ane mukondombera
unoona kuti waparadzwa zveupenyu hwose. Vakawanda vana vakabhinywa
muZimbabwe uye vanaamai vavo vanogara mukushungurudzawa naivowo
vanotya kutaura .Naizvozvo ibasa rako iwe neni kubatsira nepatinogona"
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|