|
Back to Index
Huori
Panyika
Moses
Mutema
October
14, 2002
Uri chipfukuto
negororo reupfumi
Uri chipfukuto chinoshoresa dzinza nerudzi
Uri chipfukuto chinoda kukora nenguva pfupi
Iyo isingadariki kubwaira kweziso pasina radeuka dikita
Uri chipfukuto chaparadza budiriro yenzvimbo
Ko rudzi rwofa here rwakatendekwa neyeurobe tsvimbo mugotsi
Ko tikakupa zvedu gupuro unorirambireiko?
Unpambireiko zvevapfupi nekureba
Asi uku uchikanganwa kuti chekupamba hachipfumise
Ko ukafa zvako zvinei kuti nyika irarame?
Rufu rwako nyika ichapembera nemafaro
Kunge godobori warapa mambo
Ehezve nokuti kufa kwegonye matanda anosekerera
Twese twunofanirwa kubetsera ruzhingi rwevanhu
Iwe woda kutora twose
Pamwe unongozosiyavo matadyanavo musuva unopiwa nherera
Ko woitireizve chirangano chadhimba chekuti,
Kuna Nzou uya tivande mvura mudendere
Ko gupuro worirambireizve iwe watikandisa mapfumo pasi
Translation - Corruption in the land
You are a parasite
that eats our wealth
A parasite that shames our countrymen
A parasite that wants to fatten in little time . . .
in the blink of an eye, without breaking a sweat
A parasite that erodes development in our community
Shall our people die of blows from the club of destitution?
If we offer to divorce you, would you refuse?
Why do you steal
from the short because of your height?
You forget that stolen wealth does not create prosperity
Why don't you just die, so we can develop?
The land shall applaud your death . . .
- like the medicine man that healed the King
Of course, trees celebrate the death of the borer worm
every little thing that benefits people
you want to take it all
You leave only scraps
You act like the Sparrow..
asking Elephant to hide from the rain in his nest
Why don't you accept our divorce? We are at our wits end!
Please credit www.kubatana.net if you make use of material from this website.
This work is licensed under a Creative Commons License unless stated otherwise.
TOP
|